Exodus 3

Mozisi neGwenzi Raipfuta

1Zvino Mozisi akanga achifudza makwai aJeturo tezvara wake, muprista weMidhiani, uye akatungamirira makwai kurutivi rwuri kure mugwenga akasvika kuHorebhi, gomo raMwari. 2Ikoko, mutumwa waJehovha akazviratidza kwaari mumarimi omoto aiva mugwenzi. Mozisi akaona kuti kunyange zvazvo gwenzi rakanga richipfuta, rakanga risingatsvi. 3Saka Mozisi akafunga akati, “Ndichaenda apo ndinoona chishamiso ichi, kuti seiko gwenzi risingatsvi.”

4Jehovha akati aona kuti akanga aendako kuti andoona, Mwari akadana kwaari kubva mugwenzi akati, “Mozisi! Mozisi!”

Uye Mozisi akati, “Ndiri pano hangu.”

5Mwari akati, “Usaswedera pedyo. Bvisa shangu dzako nokuti nzvimbo yaumire itsvene.” 6Ipapo akati, “Ndini Mwari wababa vako, Mwari waAbhurahama, Mwari waIsaka naMwari waJakobho.” Uye Mozisi akafukidza chiso chake, nokuti akanga achitya kutarisa Mwari.

7Jehovha akati, “Zvirokwazvo ndaona kutambudzika kwavanhu vangu muIjipiti. Ndanzwa kuchema kwavo nokuda kwavatariri vavo vamabasa, uye ndinoziva kutambudzika kwavo. 8Saka ndaburuka kuti ndivanunure vabve muruoko rwavaIjipita uye kuti ndivabudise munyika iyo ndivaise kunyika yakanaka uye yakakura, nyika inoyerera mukaka nouchi, nzvimbo yavaKenani, vaHiti, vaAmori, vaPerezi, vaHivhi navaJebhusi. 9Uye zvino kuchema kwavaIsraeri kwasvika kwandiri, uye ndaona nzira yavanotambudzwa nayo navaIjipita. 10Saka chienda, zvino, ndiri kukutuma kuna Faro kuti undobudisa vanhu vangu vaIsraeri kubva muIjipiti.”

11Asi Mozisi akati kuna Mwari, “Ndini aniko ini kuti ndiende kuna Faro kuti ndinobudisa vaIsraeri kubva muIjipiti?”

12Uye Mwari akati, “Ndichava newe. Uye ichi chichava chiratidzo kwauri chokuti ndini ndakutuma: Paunenge wabudisa vanhu kubva muIjipiti, muchanamata Mwari pagomo rino.”

13Mozisi akati kuna Mwari, “Ko, kana ndikaenda kuvaIsraeri uye ndikanoti kwavari, ‘Mwari wamadzibaba enyu andituma kwamuri,’ uye ivo vakandibvunza kuti, ‘Zita rake ndiani?’ ipapo ndichavaudzeiko?”

14Mwari akati kuna Mozisi, “Ndiri Wandiri. Izvi ndizvo zvaunofanira kutaura kuvaIsraeri: ‘Ndiri’ andituma kwamuri.”

15Mwari akatiwo kuna Mozisi, “Uti kuvaIsraeri, ‘Jehovha, Mwari wamadzibaba enyu, Mwari waAbhurahama, Mwari waIsaka naMwari waJakobho andituma kwamuri.’ Iri ndiro zita rangu nokusingaperi, zita randinofanira kurangarirwa naro kusvikira kuzvizvarwa zvose.

16“Enda undounganidza vakuru vavaIsraeri ugoti kwavari, ‘Jehovha, Mwari wamadzibaba enyu, Mwari waAbhurahama, Mwari waIsaka, naMwari waJakobho, akazviratidza kwandiri uye akati, “Ndakatarira pamusoro penyu uye ndikaona zvakanga zvichiitwa kwamuri muIjipiti. 17Uye ndakavimbisa kukubudisai mukutambudzika kwenyu muIjipiti ndikuisei kunyika yavaKenani, navaHiti, vaAmori, vaPerezi, vaHivhi navaJebhusi, nyika inoyerera mukaka nouchi.” ’

18“Vakuru vavaIsraeri vachakuteerera. Ipapo iwe navakuru vavaIsraeri munofanira kuenda kuna mambo weIjipiti munoti kwaari, ‘Jehovha Mwari wavaHebheru akasangana nesu. Regai tifambe rwendo rwamazuva matatu tiende kurenje kuti tindobayira kuna Jehovha Mwari wedu.’ 19Asi ndinoziva kuti mambo weIjipiti haasi kuzokutenderai kunze kwokunge ruoko rune simba rwamumanikidza. 20Saka ndichatambanudza ruoko rwangu ndigorova vaIjipiti nezvishamiso zvose zvandichaita pakati pavo. Shure kwaizvozvo achakutenderai kuenda.

21“Uye ndichaita kuti vaIjipita vaitire vanhu ava nyasha, zvokuti pamunoenda hamuendi musina chinhu. 22Mukadzi mumwe nomumwe anofanira kukumbira muvakidzani wake nomukadzi upi zvake waagere naye mumba make, zvishongo zvesirivha nezvegoridhe uye nguo dzamuchapfekedza vanakomana venyu nevanasikana venyu. Uye saizvozvo muchapamba vaIjipita.”

Copyright information for SnaBDSC